Acts 19

Pauro paEfeso

1Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo 2akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?”

Vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”

3Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?”

Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”

4Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.” 5Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. 6Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita. 7Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.

8Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari. 9Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano. 10Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe.

11Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro, 12zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari.

13Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.” 14Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo. 15Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?” 16Ipapo murume akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa.

17Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru. 18Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa. 19Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu
dhirakema ndiro raiva mubayiro wokushanda kwezuva rose
.
20Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura musimba.

21Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.” 22Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.

Bope muEfeso

23Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi. 24Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo. 25Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri. 26Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akadzidzisa uye akatsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havasi vamwari chaivo. 27Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.”

28Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!” 29Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare. 30Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa. 31Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare.

32Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo. 33VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu. 34Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”

35Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga? 36Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu. 37Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu. 38Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo. 39Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo. 40Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.” 41Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare.

Copyright information for SnaBDSC